Evangelical Lutheran Church of Zimbabwe (ELCZ)

Rakanaka Vhangeri,rakanaka x2
(CHORUS)
Ndanguri ndakuudza kuti rakanaka x4

Rinesimba Vhangeri,rinesimba x2
(CHORUS)
Lim'nandi Vangeli,lim'nandi x2
(CHORUS)



KUTENDA KWAVAKRISTU

Ndinotenda kuna Mwari, bambo vesimba rose,musiki wokudenga napasi.
Ndinotenda kuna Jesu Kristu,muzvare wake ari mumwe woga,She wedu, wakagamuchidzwa nomweya mutsvene,akaponiwa nemhandara Maria,akatambudzwa pamberi pa Pontio Pilato,akaroverwa pa chinjikano,akafa,akavigwa akaburikira pavakafa,akamukira pavakafa nezuva retatu,akakwira kudenga.Ugere parudyi rwaMwari,bambo vesimba rose,paaachadzoka kutongesa vapenyu nevakafa.
Ndinotenda kuna Mweya Mutsvene,kereke tsvene yendudzi dzose,shongano yevatsvene,kangamwiro yezvivi,kumuka kwomuviri,novupenyu vusingaperi.

AMEN

REVURURO YEZVIVI

Ini mutadzi murombo,ndakaponerwa muzvivi,ndikamuchinyirai namazuva angu ose.Ndinozvirevurura nomoyo wose pamberi penyu,Mwari mutsvene,wakarungama,Bambo vorudo,kuti handizati ndakada Imi kupfuura zvinhu zvose,nyangwe wokwangu sezva ndinozvida ini.Ndakatadzira Imi nemirayiro yenyu yakashanangurwa,ndichiidarika,nemifungo,namashoko,nemibato
yangu.Nokudaro ndinoziva kuti,ndaifanira kurashiwapamberi pechiso chenyu,deno mainditongesasezvinofanira zvivi zvangu.

Bva zvino Imi,Bambo vanodikanwa vokudenga,makavimbisakuti muchaitira nyasha novunyoro vose vatadzi,vanokutendevukira kwamuri,vachivimba nengoni dzenyu nomubato vo Muchengeti Jesu Kristu.Vakadaro,munoda kuvakangamwira mhaka dzavo dzipi nedzipi,musingatongovaraviri zvivi zvavo.

Ndinovimba naizvozvo,ini mutadzi murombo,ndichikumbira kwamuri nokutenda,kuti mundiitire nyasha nengoni sezva makavimbisa.Mundikangamwire matadzo angu ose,kuti zita renyu dzvene rikudziwe.

MUNYENGETERO WASHE

Bambo vedu vokudenga.Zita renyu ngarishanangurwe.Ushe hwenyu ngahuuye.Kuda kwenyu ngakuitwe.Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana.Mutikanganwire mhaka dzedu sesu tinokanganwirawo vane mhaka nesu.Musatiisa pakuidzwa.Bva mutisunungure pane zvakaipa.Nokuti ushe ndohwenyu,nesimba,nokubwinya,nokusingaperi.

AMEN